Proverbs 29

1Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa
kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
2Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara;
asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.

3Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake,
asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.

4Nokururamisira mambo anosimbisa nyika,
asi uyo anokara fufuro anoiparadza.

5Ani naani anonyengera muvakidzani wake
anodzikira tsoka dzake mumbure.

6Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake,
asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.

7Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo,
asi vakaipa havana hanya naizvozvo.

8Vatuki vanomutsa bope muguta,
asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.

9Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi,
benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.

10Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akarurama,
uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.

11Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose,
asi munhu akachenjera anozvibata.

12Kana mutongi akateerera nhema
machinda ake ose achava akaipa.

13Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi:
Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.

14Kana mambo akatonga varombo nokururamisira,
chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.

15Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,
asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.

16Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo,
asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.

17Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare;
achauyisa mufaro kumweya wako.

18Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora;
asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.

19Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete,
nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.

20Unoona here munhu anotaura achikurumidza?
Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.

21Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki,
achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.

22Munhu akashatirwa anomutsa kupesana,
uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.

23Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi,
asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.

24Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake;
anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.

25Kutya munhu kuchava musungo,
asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.

26Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi,
asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.

27Vakarurama vanovenga vasina kutendeka;
vakaipa vanovenga vakarurama.
Copyright information for SnaBDSC